26/06/2024
Maita Soko
Murehwa
Zvaitwa, Matarira;
Soko yangu yiyi
Maita Marovahombe
Mwana webveni
Chirongo
Zvaitwa Tateguru
Zvaitwa Wagutahuzamura
Maita zvenyu Vari Makoromokwa
VaGurusvusvu
Vana vaGurumwandira
Maita VaRisinamhapa
VaNhambatsva
Vachitamba neruwere
Vamahobi anenge rihwa
Zvaitwa Mukuruvara
Mushonganamawere
Kuziva zvenyu, VaNhombatsva
Mvurume
Maita Mwana waPfumojena
muranganepfumo
Mugagami
Vane meso anoendaenda
kunge zangira remukaka
Maita VaJena
Chirongo changu chichi
Vane kufamba kunenge kukavira nyimo
Kutizira kuchinge kudyara nzungu
Makudzagwara
Vanorarama nezvokuba
Maita Vari Mandiya
Vari Kaporomondo
Zvaitwa WaBveni
Wakakumba dzose netsombori
nehwenya
nohowa
matunduru namatamba
Vana vaNzvere
VaKanorimona
mhanza ichipenya
semheni yemvura yemunhurukwa
Vorutovatova
Pambambarize maiti mobviswa, maiti “Ndofira pano”
Pamasvosve maitakura chara negumbo
VaHunye Mukonde
Muchinamira ruware somunobika kana kupakura sadza
Mava pashongwe, mokarara, mukono waTingini
wakabva Mahumwi
kwakarera mukanwa nemunyu
Vane vhudzi risingapumhwi
VaMushambanezhizha
Zvaitwa Mwana waTingini
ari Mahumwi
anokwira Rupara nemeno
Hekani Chirongo
Aiwa zvaitwa
Zvaonekwa Mugagami